Vi bøger
Levering: 1 - 2 hverdage

Ngatitare Nyika - Sarura Kids - Bog

Bag om Ngatitare Nyika

Ngatidzidzirei kutara mifananidzo yenzvimbo dziri mu Australia. Bhuku iri rinotaura trivia nezvirokwazvo pamusoro penyika iyi. Munokwanisa kuwana nzvimbo nezvinhu zvakasiyana siyana zvinowanikwa mu Australia. Dzimwe dzenzvimbo dzamunokwanisa kuwana dzinoitwa idzo Uluru, Sydney Opera House, Ballarat, Esperance Stonehenge, Three sisters, Great Barrier Reef, nedzimwe nzvimbo. Mwana anopihwa chinhambo chekuti atare mufananidzo nenzira yaanofarira uyezve inoratidza hunyanzvi hwake nehumbesa. Bhuku rino rakagadzirwa nemunyati unotevedzera zvidzidzo zvehumbesa. Rinochengetedza nekukoshesa makuriro evana. Nokudaro rinobatsira mwana kuti adzidzire nezvenyika yedu uyezve achigadzira dzikiso dzinozomubatsira kana akazoda zvake kuita basa rehumbesa. Kana mwana achinge asvika makore mashanu kana matanhatu, anotanga kukwanisa kuona mamiriro ezvinhu zvatinoona munyika. Anenge akukwanisa kutara mifananidzo inoonekwa kuti yakagara pasi, kwete inoyangarara kana kubhururuka kana makaitarisa papeji. Chero zvake asati akukwanisa kutara mifananidzo yakagozha, anenge ane chido chekutara mifananidzo yakawanda wanda kuti arambe achidzidzira humbesa. hwake. Tinofanirwa kumusimbisa nekumukurudzira kuti arambe achitara mifananidzo yakawanda. Nenguva ino munoona mwana achitara mufananidzo ozviisawo pakati pemufananidzo iwoyo. Izvi zvinomubatsira kuti awone kuti iye akakosha mune zvaari kutara. Anofarira kutamba achinyepedzera kunge ari munzvimbo iyoyo. Sevabereki tinofanirwa kuzvikurudzira. Kana asvitsa makore mashanu kana matanhatu, mwana anenge akukwanisa kutevedzera huyerapasi. Munoona achikwanisa kuona zvinhu zvakaita sedenderedzwa, gonyatatu, gonyarura, kana sikweya. Kurudzirai mwana kuti atsvage huyerapasi mumifananidzo iri mubhuku iri. Kana muchida munokwanisa kudhirowa muumbirwo pamusoro pemifananidzo yacho. Nyika yedu yakakosha. Nyika yedu ine zvizhinji zvinoyevedza nekutidzidzisa magariro evanhu nemadzitateguru edu. Ngatikoshesei pasi pano tichibatsira vana kuti vadzidze nezvenyika.

Vis mere
  • Sprog:
  • Ukendt sprog
  • ISBN:
  • 9798211151826
  • Indbinding:
  • Paperback
  • Sideantal:
  • 60
  • Udgivet:
  • 13. juni 2023
  • Størrelse:
  • 203x5x254 mm.
  • Vægt:
  • 214 g.
Leveringstid: 8-11 hverdage
Forventet levering: 13. november 2024

Beskrivelse af Ngatitare Nyika

Ngatidzidzirei kutara mifananidzo yenzvimbo dziri mu Australia.
Bhuku iri rinotaura trivia nezvirokwazvo pamusoro penyika iyi. Munokwanisa kuwana nzvimbo nezvinhu zvakasiyana siyana zvinowanikwa mu Australia.
Dzimwe dzenzvimbo dzamunokwanisa kuwana dzinoitwa idzo Uluru, Sydney Opera House, Ballarat, Esperance Stonehenge, Three sisters, Great Barrier Reef, nedzimwe nzvimbo.
Mwana anopihwa chinhambo chekuti atare mufananidzo nenzira yaanofarira uyezve inoratidza hunyanzvi hwake nehumbesa.
Bhuku rino rakagadzirwa nemunyati unotevedzera zvidzidzo zvehumbesa. Rinochengetedza nekukoshesa makuriro evana. Nokudaro rinobatsira mwana kuti adzidzire nezvenyika yedu uyezve achigadzira dzikiso dzinozomubatsira kana akazoda zvake kuita basa rehumbesa.
Kana mwana achinge asvika makore mashanu kana matanhatu, anotanga kukwanisa kuona mamiriro ezvinhu zvatinoona munyika.
Anenge akukwanisa kutara mifananidzo inoonekwa kuti yakagara pasi, kwete inoyangarara kana kubhururuka kana makaitarisa papeji.
Chero zvake asati akukwanisa kutara mifananidzo yakagozha, anenge ane chido chekutara mifananidzo yakawanda wanda kuti arambe achidzidzira humbesa. hwake. Tinofanirwa kumusimbisa nekumukurudzira kuti arambe achitara mifananidzo yakawanda.
Nenguva ino munoona mwana achitara mufananidzo ozviisawo pakati pemufananidzo iwoyo. Izvi zvinomubatsira kuti awone kuti iye akakosha mune zvaari kutara. Anofarira kutamba achinyepedzera kunge ari munzvimbo iyoyo. Sevabereki tinofanirwa kuzvikurudzira.
Kana asvitsa makore mashanu kana matanhatu, mwana anenge akukwanisa kutevedzera huyerapasi. Munoona achikwanisa kuona zvinhu zvakaita sedenderedzwa, gonyatatu, gonyarura, kana sikweya. Kurudzirai mwana kuti atsvage huyerapasi mumifananidzo iri mubhuku iri. Kana muchida munokwanisa kudhirowa muumbirwo pamusoro pemifananidzo yacho.
Nyika yedu yakakosha. Nyika yedu ine zvizhinji zvinoyevedza nekutidzidzisa magariro evanhu nemadzitateguru edu. Ngatikoshesei pasi pano tichibatsira vana kuti vadzidze nezvenyika.

Brugerbedømmelser af Ngatitare Nyika



Find lignende bøger
Bogen Ngatitare Nyika findes i følgende kategorier:

Gør som tusindvis af andre bogelskere

Tilmeld dig nyhedsbrevet og få gode tilbud og inspiration til din næste læsning.